Part 1
Some of the Pungwe Promises of New Independent Zimbabwe said Vanamukoma
“Tichange tichitakurisa maherikoputa mufudze kuenda nawo kuminda”
“Chikoro kunenge kuri kungoenda wondowana mabhuku, zvinyoreso chero uniform kubva paGrade 1 kusvika pakasvika vaMugabe.”
“Hapana mwana anobvumirwa kuregedza chikoro nokushaya Mari kusvika asvika pakasvika vaMugabe”
“Kungorwara chete ambulance yatosvika pamba pako muchabaiwa majekiseni mukasazofa zvakare!”
“Migwagwa yedu yese inenge ichingova mutserendende Tara dzega dzega!”
“Chitotangai kudzidzira kuflusha matoilets izvozvi nokuti chero imba kuruzevha inenge ichingova pfaaaas pfaaaa muchenjere kudzivirwa nzeve vana vachiflusha matoilets!”
“Vazhinji vachachemera kuchembera vamwe vachisungwa kuchinja mabirth certificate vachida kuhora Mari yekunzi wachembera!”
“Mugare maputsa tumadoor twedzimba dzenyu nokuti muchafuta nokudya chero chawarota unenge unacho patafura!”
“Varungu vese vamunoona vachauya kuzoita manhenhi nemagardenboy edu!”
“Makambofamba nezvikepe here muchaita zvokuramba kuchaiswa makungwa pese pese!”
“Madzishe namasabhuku vese Vatengesi tichavabvisa toisa vanhu vemusangano wenyu!”
“Hakuna uchazoenda kumunda zvakare mabhoyi edu varungu vanenge vachitishandira!”
Please those who participated in the liberation struggle can you give other commonly said Pungwe Promises by Vanamukoma.
🇿🇼🤚🏿🇿🇼 Patriotic Papa JC speaks when things are not good for citizens who want better change in Zimbabwe