Zanu PF inodadisa nokunyepera zvituta zvinoitsigira!

Date:

Benzi rinyepere rinoridza mhururu serabata denga.

Muchiri kurangarira vanaChimbwido nanaMujibha vachimhanyiswa kuno vhetiwa nokunovhura maBank Accounts here?

Vainge vavimbiswa kuzopihwa mazimari akawanda chose.Kunyepera varume nevakadzi vakuru kunge unonyepera ndumurwe.

Makore maviri apera mari yakavharwa vharwa vanhu ava hapana akaiwana.Vese vari kukanga waya.

Hurumende yaMnangagwa yafunga kunyaradza madukuzuzu aya nokuvimbisa nokuvapa menduru dzokuti makarwa hondo. Kkkkkkkk sekai zvenyu kupihwa menduru kunge wanga uri pamakwikwi okumhanya chokwadi.

Asi ivo gore riye vakapanana ma$50 000 iwe wopihwa chimenduru chisina kana kuti vana vanosvika vachitambira kuti nhasi tinoguta.

Vazhinji vanaChimbwido nanaMujibha ndivo vakapinzwa muminda yavari kudzingwa .Zvese izvi vanhu ivava havaone kuti vari kukaviswa bhora redombo.

ZanuPF inoziva kuti vanhu ava vanofanigwa kutambira chaizvo kuitira kuti kana sarudzo yosvika mutamburi akavimbiswa chikuru unobva aona sokuti zvino nhamo ichazopera.

Vanobva vaita zvese nokudarikidza mwero vachiti vaonekwe vagotanga iye kupihwa mari kana zvavimbiswa.

Tichagara tinevanhu vasingaone ramangwana nokuti vakabatwa pfungwa kunzi dzvii nemanyepo eZanuPF.

Fambai munharaunda menyu muongorore kuti vese vakaenda kuvhetingi uye kunovhura maAccounts ndivo vatambirisi vemunharaunda ndivozve vasina chikoro chakati kuti zvese izvi ndizvo zvinodiwa neZanuPF kubata vanhu ivava pfungwa.

Asi chokwadi chero munhu anedzakati kwesere unopembera kuti kwapera makore 43 hondo yapera wouya nechimenduru kukutenda.Saka vakafa makore ose aya muchauya seiko?

🇿🇼☝🏿🇿🇼 Patriotic Papa JC vanotaura kana zvinhu zviri manyama amire nerongo. Apo vanhu veZimbabwe vachida kushanduka kwakanaka kweupenyu munyika

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Share post:

Subscribe

spot_imgspot_img

Popular

More like this
Related

Agroecology transforms lives in Chimanimani

Martin Muleya CHIMANIMANI-Nestled in the rolling hills of Chimanimani rural...

Africa must utilize sports tourism

By Bertie Jacobs Football. The Beautiful Game. The World Game....

Kuka turns heat on Govt over crumbling Matobo-Gweru Road

MARTIN MAWAYA GWERU-Mkoba South legislator John Kuka has pressed Government...

MP Mudumi uplifts Zvido Primary

ROSELINE MUTARE MASVINGO NORTH - As part of the ongoing...