Ingoti Wangu Zvipere!!

Date:

Ingoti Wangu zvipere

Wangu chero wangoti Wangu

Murudo chaimo Wangu

Inoreva zvakawanda

Unenge waperera muzirudo

Wangu zvinobva zvaita kanhi

Kukereke Ingoti Wangu

Ndiko kutaridza kutendeuka

Wangu Jesus Christ

Zvitadzo zvese zvinobva zvasikwa

Chero zvitsvuke seropa

Wangoti Wangu Jesus Christ

Unosara wachena semazaya echando

Ingoti Wangu zvipere

MuMucheke Stadium iWangu

Svondo rino Ingoti Wangu

Mufaro chakata

Usazvinetsa zviri zvebhora

Ingoti Wangu zvipere

Unonzwa nyama kuti

Zhalala Zhululu wavamufaro

Ini handide zvinondinetsa

Zvinodya moyo Wangu kwete

Ndinongoti Wangu Mazodze Zvipere

Pamhidzai mufaro wenyu

Imbai Skombingo

Hevo mufana bhoyi

Asi kupedza masports

Ingoti Wangu zvipere

Mahori asimuka

Ndondori uripiko

Solo hatide zvinonetsa

Tapelo chikuluma ipapo

Dhi Dhi Dhi Dylano

Hazvide hasha vakomana

Ingotii Wangu zvipere

Coach Beefy musawanza nyaya

Shewedzerai Wangu

Zvipere

Mabvuure seiko kubvura vanhu

Nyahunda USA huta

Tsungurirai usafunga zvakawanda

President Sibs itai semunedzimwe nyaya

VanaChihelele zvokuti Ziguru kana Chezero

Hazvina basa Ingoti

Wangu Zvipere!!

Chitando chikatandira

Mazodze kutozodza

Mavhaire hapadi kuvhaira pano

Kwesha unoman’a pano waunoda kwesha ndiyaniko?

Ukama igasva nhaiwe Gasva asi hazvina chimuko

Isu  tinoziva Gasva rinozadziswa nokungoti

Wangu Zvipere

IZhalala Zhululu zvayo

Chero kutoti Kingdom Boys

Chero kunyomba kwavo

Hanzi Provincial Clowns

Kutamba nenguva uko

Province yese Inoziva

FC Wangu Mazodze

Ingoti Wangu zvipere

Wangu Zvipere

Zvatopera nokuti ndangoti

Wanguuuu

Jeffreyson Chitando  

Papa JC speaks soccer

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Share post:

Subscribe

spot_imgspot_img

Popular

More like this
Related

Scorpions crowned CABS T20 champions

Faith Ndou MASVINGO-Scorpions Cricket Club were crowned champions of the...

Erectile dysfunction, key driver of new HIV infections.

Commercialization of sex has made it lose it's mystery...

WiFi Boys brace for midweek spark

MARTIN MAWAYA GWERU—TelOne FC face one of their toughest early...

It’s a punishable act to oppose CAB3: Mahiya

Martin Muleya MUTARE-Zanu Pf has warned its members against opposing...